KURUDZIRO YEKUCHENGETEDZVA KWEKODZERO DZEVANHU PASI POSE
ZARURO
Sezvo kucherechedza hunhu nekodzero yakayenzana yomunhu wese pasi pose iriyo mviromviro
yomutongero uri pachokwadi norunyararo panyika.
Sezvo kusatevera nekusvora kodzero dzevanhu zvakamboita kuti kuve noutsinye hwakarwadza
pfungwa dzevanhu pasi pose, nokuuya kwenyika inevanhu vachafadzwa norusununguko nokutaura
zvavanoda zvakapikirwa sezvinangwa zvinodiwa kuvanhu vese vese.
Sezvo chiri chinhu chinokosha, kana munhu asingazomanikidzirwa kuita somukana
wokupedzisira, kupandukira hutongi hwakaipa kana hudzvanyiriri, kuti, kodzero dzevanhu
dzichengetedzwe nohutongi hwomutemo.
Sezvo vanhu vese veMubatanidzwa weNyika, muchisununguko ichi, varatidzazve chitendero
chavo mukodzero dzavanhu dzinokosha, uyewo muhunhu nohukoshi homunhu wega wega,
munezvekodzero yakayenzana yavanhurume navanhukadzi, zvekare vazvishingisa kukurudzira
budiriro mumagariro nokusimudzirwa kohupenyu huri nani murusununguko rwunokosha
rwakawedzerwa.
Sezvo kunzwisisa pamwechete kodzero idzi norusununguko zvichikosha zvakanyanya kuti
chisungo chibudirire.
Saka Nokudaro
GUNGANO ROMUBATA - NIDZWA WENYIKA DZEPASI POSE
rinozivisa
NEZVEKURUDZIRO INO YEKUCHENGETEDZVA KWEKODZERO DZEVANHU PASI POSE sechiratidzo
chokubudirira pamwechete kwavanhu vese nemarudzi ese, pedzisire munhu wese nenhengo dzese
dzemunyika vavekuchengetedza kurudziro ino, vachishingirira nokudzidzisa uyewo kuita
mabasa ekudzidzisa nokukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzino nerusununguko namatanho
okubudirira munyika kana pasi pose, kuita kuti kodzero idzi dzicherechedzwe zvakakwana
nokuchengetedzwa pasi pose nevanhu vemunyika dzinova nhengo uyewo vanhu vanogara mumatunhu
ari pasi penyika idzodzo.
1. Chisungo cheKutanga
Vanhu vese vanoberekwa vakasununguka uyewo vakaenzana pahunhu nekodzero dzavo. Vanhu
vese vanechipo chokufunga nekuziva chakaipa nechakanaka saka vanofanira kubatana nomweya
wohusahwira.
2. Chisungo cheChipiri
Munhu wese anofanirwa kuwana kodzero norusununguko samataurirwo azvakaitwa mukurudziro
ino, pasina kusarura kupi zvako, kwakaita sekwerudzi rwake, ruvara rwake kana kuti
munhurume kana kuti munhukadzi here, mutauro wake, svondo yake, kana kuti mafungiro ake
munezvematongerwo enyika kana zvipi zvazvo.
Zvekare, hapana kusarura kuchaitwa nokuda kwemamiriro munezvematongerwo enyika,
mutongero kana kuti mamiriro enyika kana dunhu raanogara muneipi zvayo nyika pasi pose,
ingava nyika yakasununguka, nyika iri kufanotongwa, kana nyika isati yawana kuzvitonga
kuzere kana chipi zvacho chipingidzo pakuzvitonga.
3. Chisungo cheChitatu
Munhu wese anekodzero yokurarama, kuvanerusununguko nokuzvichengetedza iye omene.
4. Chisungo cheChina
Hapana munhu achachengetwa muhuranda kana kuitwa semuranda, huranda nekutengeswa
kwevanhu neipi zvayo nzira hazvizotenderwi.
5. Chisungo cheChishanu
Hapana munhu anofanirwa kurwadziswa kana kuitirwa hutsinye, kubatwa semhuka kana kuitwa
zvinoderedza, kana upi zvawo murangiro wakadaro.
6. Chisungo cheChitanhatu
Vanhu vese vakayenzana pamberi pomutemo uye vanekodzero, pasina rusarura,
yokuchengetedzwa zvakayenzana nomutemo.
7. Chisungo cheChinomwe
Munhu wese anekodzero yokuenzanisirwa chichemo chake zvakakwana namatare ari pachokwadi
emunyika make apo anenge aitirwa zvinotyora kodzero dzinokosha dzaanopiwa nebumbiro
remitemo kana iwo mutemo pachawo. Munhu wese anenzira yekudzivirirwa yakafanana neyavamwe
kubva murusarurwo rwose zvarwo runotyora mitemo yekurudziro ino.
8. Chisungo cheChisere
Munhu wese anekodzero yekumirirwa nematare kana akatyorerwa kodzero dzake dzaainadzo
pasi pebumbiro remitemo kana mitemo pachayo.
9. Chisungo cheChipfumbamwe
Hapana munhu achasungwa, kupfigirwa mutorongo kana kudzingwa munyika make zvisiri
pamutemo.
10. Chisungo cheGumi
Munhu wese anofanirwa kuwana mukana wakaenzana uri pachokwadi wokumira pamberi pedare
remhosva rakasununguka, risinadivi rarinorerekera, apo kodzero yake nezvaanotarisirwa kuti
aite zvinenge zvichivhenekwa, uyewo kana achinge achipomerwa mhosva ipi zvayo.
11. Chisungo cheGumi nemwe
- (Chekutanga) Munhu wese anenge apomerwa mhosva iyo ingaita kuti apiwe chirango,
anekodzero yokubatwa somunhu asina mhosva kusvikira pawanikwa umbowo hokuti anemhosva,
achizobatwa nayo pamberi poruzhinji nedare, apo paanenge apihwa mukana wezvose zvaangade
pakuzvimirira.
- (Chechipiri) - Hapana munhu anofanirwa kunzi anemhosva pamutemo wenyika kana mutemo
wenyika dzepasi pose, panguva yechiitiko ichocho. Uyewo hapana chirango chakapfurikidza
chinofanirwa kutemerwa munhu chisingawirirani nechirango chaikodzera panguva yokuparwa
kwemhosva yacho inenge iripadare.
12. Chisungo cheGumi neMbiri
Hakuna munhu achafanirwa kuongororwa zvisiripamutemo munezvemagariro ake, zvemhuri
yake, musha wake kana matsamba ake, uyewo kushorwa nokuderedzerwa pahunhu, nechimiro
chake. Munhu wese anekodzero yokudzivirirwa nemutemo kubva mukuderedzerwa nekutadzikirwa
kwakadaro.
13. Chisungo cheGumi neNhatu
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwokufamba nokugara mukati
menyika imwe neimwe.
- (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yokubuda muneipi zvayo nyika, zvichibatanidza nyika
yake, uyewo kudzokerazve kunyika yake.
14. Chisungo cheGumi nena
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokutsvaga nekupiwa pekupotera kunedzimwe nyika
kana ari kuvhundutsirwa.
- (Chechipiri) - Iyi kodzero haigone kushandiswa kana asungwa pachokwadi nemhosva dziri
pachena kuti hadzisi dzezvematongerwo enyika mushure mokuita mabasa anotyora zvinangwa
nemitemo yeMubatanidzwa wenyika dzepasi pose.
15. Chisungo cheGumi neShanu
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nenyika yaanobva.
- (Chechipiri) - Hapana munhu achashaiswa nyika yake yaanogara kana kurambidzwa kuenda
kundogara kuneimwe nyika.
16. Chisungo cheGumi neNhanhatu
- (Chekutanga) Vanhurume nevanhukadzi vabvezero, vanekodzero yokuroorana nokuumba mhuri,
pasina kudziviswa nokuda kwerudzi, nyika yechizvarwa kana svondo yavanopinda. Vanhu ava
vanekodzero dzakaenzana munyaya dzezvekuvaka imba, pakuchata nemukuparadzwa kwawo.
- (Chechipiri) - Wanano ichaitwa chete kana paine tenderano yakakwana pakati paavo vanoda
kuwanana.
- (Chechitatu) - Mhuri ndiyo musimboti womubatanidzwa unokosha mumusha uye inekodzero
yokuchengetedzwa omene.
17. Chisungo cheGumi neChinomwe
- (Chokutanga) - Munhu wese anekodzero yekuita pfuma ariega kana kuti akabatana nevamwe.
- (Chechipiri) - Hakuna munhu achatorerwa pfuma yake.
18. Chisungo cheGumi neSere
Munhu wese anekodzero yorusununguko mupfungwa, mumaonero, nemumanamatiro ake; kodzero
iyi inobatanidza rusununguko rwokuchinja svondo kana mafungiro, zvekare kuva norusununguko
pachake kana navamwe, pachena kana muchivande, rwokunamata kana rwomumafungiro ake
muzvidzidziswa, kuitwa kwazvo, munamatirwo kana mumacherechedzerwo azvo.
19. Chisungo cheGumi nePfumbamwe
Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwemaonero ake pasina kukanganiswa,
rwekutsvaga, rwekuudzwa kana rwekuzivisa mashoko nemafungiro neipi zvayo nzira zvisineyi
nezvemiganhu yenyika.
20. Chisungo cheChimakumi maviri
- (Chekutanga) Munhu wese anekodzero yokuva norusununguko rwokusangana nokuvanamwe
murunyararo
- (Chechipiri) - Hapana munhu anofanirwa kumanikidzwa kuvenhengo yeripi zvaro bato.
21. Chisungo cheChimakumi maviri nemwe
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokubatsira mukutongwa kwenyika yake, pachake kana
kuburikidza nekuvamiriri vakasarudzwa zviri pachena.
- (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yakaenzana yokushandira hurumende yomunyika yake.
- (Chechitatu) - Zvido zvevanhu ndizvo zvchava musimboti wemasimba okutonganawo hurumende:
zvido izvi zvicharatidzwa nguva nenguva nesarudzo iri pachokwadi iyo ichange ichizoitwa
nomunhu wese anekodzero yokuvhota, sarudzo iyi ichaitwa vanhu vakasununguka uye zvisina
kubiridzira .
22. Chisungo chechimakumi maviri nembiri
Munhu wese, senhengo yorudzi, anekodzero yokuwana magariro akanaka, uye anofanirwa
kuwana kubva mumushandira pamwe wenyika dzepasi pose zvichitevera marongerwo ohupfumi
hwenyika imwe neimwe, hupfumi, magariro nekodzero, dzetsika dzemagariro ake nokuita munhu
anova zvaanoda kuva.
23. Chisungo chechimakumi maviri nenhatu
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokushanda, kusarudza basa raanoda kuita, nekuva
nomushandiro wakanaka uyewo nekudzivirirwa kuti asaite rovha.
- (Chechipiri) - Munhu wese, pasina kusarura kupi zvako, anekodzero yokuwana mugove
wakaenzana nowomunhu wese anoita basa serake.
- (Chechitatu) - Munhu wese anoshanda anekodzero yokuwana mugove wakanaka zvichiita kuti
iye pachake nemhuri yake vawane magariro anokodzera ehunhu uchiwederwa, kana zvichikodzera
nedzimwe nzira dzokuchengetedzwa kwemagaririo akanaka.
- (Chechina) - Munhu wese anekodzero yokuumba nokuvanhengo yemasangano anomirira vashandi
kuti agone kuchengetedza zvido zvake.
24. Chisungo chechimakumi maviri nena
Munhu wese anekodzero yokuzorora nokuzvivaraidza, zvichibatanidza kukamurwa kwenguva
yokushanda nokuwana zororo nguva nenguva pabasa achipihwa mugove wakakwana.
25. Chisungo chechimakumi makumi maviri neshanu
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuva nemagariro akakwana kuti ave nohutano
hwakanaka nokurarama zvakanaka iye pachake nemhuri yake achiwana kudya, zvipfeko, imba,
kurapwa nezvose zvinodikanwa pamagariro omunhu nekodzero yokuchengetwa panguva yokushaiwa
basa, hurwere, kuremara, kufirwa, kukwegura kana chipi zvacho chipingidzo muupenyu.
- (Chechipiri) - Huzvere kana nguva yohwana hudiki inguva yokubatwa zvakanaka
nokubatsirwa. Vana vese, zvisinei kuti vakaberekwa zvakaita sei, vachachengetwa
zvakayenzana.
26. Chisungo chechimakumi maviri nenhanhatu
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuwana dzidzo iyo ichange iri pachena , zvikuru
panguva yehwana hudiki, inova ndiyo nguva yakakosha. Dzidzo panguva iyi ichamanikidzirwa.
Dzidzo dzezvemibato yemaoko neyemumahofisi ichaitwa kuti ivepo zvekare, dzidzo iripamusoro
ichawanikwa maererano nemagonero emunhu.
- (Chechipiri) - Dzidzo ichanangiswa kusimudzira zvakakwana munhu nokusimbaradza
kuremekedzwa kwekodzero dzavanhu uyewo nerusununguko rwavo runokosha. Dzidzo ichakuridzira
kunzwisisa, kuregererana nohusahwira pakati penyika, marudzi kana mapoka ezvedzisvondo,
uyewo ichatungamidza mabasa emubatanidzwa weNyika dzepasi pose ekuchengetedzwa
kwerunyararo.
- (Chechitatu) - Vabereki vanekodzero yokusarudza dzidzo ichapihwa kuvana vavo.
27. Chisungo chechimakumi maviri nenomwe
- (Chekutanga) - Munhu wese anekodzero yokuteedza akasungunuka tsika dzemunzvimbo
maanogara kufadzwa nezvemitambo nokubatidzawo mumabasa ebudiriro.
- (Chechipiri) - Munhu wese anekodzero yokuwana kuchengetedzwa kwemararamiro nezvido zvake
zvinobva munezvaanamazvi- kokota, zvemitambo, nemuzvinyorwa izvo anenge akanyora ega.
28. Chisungo chechimakumi maviri nesere
Munhu wese anofanirwa kugara muruwa nemunyika umo munozova nokucherechedzwa zvakakwana
kwekodzero norusununguko sekutaurwa kwazvakaitwa mukurudziro ino.
29. Chisungo chechimakumi maviri nepfumbamwe
- (Chekutanga) - Munhu wese ane zvinhu zvaanofanirwa kuita munzvimbo maanogara umo
munozoita kuti iye pachake, agone kuzvisimudzira akasununguka pahunhu hwake zvakakwana.
- (Chechipiri)- Achishandisa kodzero dzake norusununguko rwake munhu wese achavanomwero
wakatarwa nomutemo chete, ndokunge izvi zvichiitirwa kupa cherechedzo noruremekedzo
rwunodiwa kukodzero norusununguko rwunodiwa rwavamwe nokuita zvido zvevanhu.
- (Chechitatu) - Kodzero iyi norusununguko urwu hazvigone kushandiswa nenzira inotyora
zvinangwa nedonzvo reMubatanidzwa weNyika dzepasi pose.
30. Chisungo chechimakumi Matatu
Hapana chinhu chiri mukurudziro ino chichazotsanangurwa sechinoreva kuti chero ipi
zvayo nyika, bato, kana munhu pachake, anekodzero yokuita mabasa kana zviito zvinopwanya
ipi zvayo kodzero kana rusununguko zviri mukurudziro ino.
KURUDZIRO YEKUCHENGETEDZVA KWEKODZERO DZEVANHU PASI POSE
Nezuva reGumi munaZvita mugore ra 1948 Gungano roMubatanidzwa weNyika dzepasi pose
rakasarudza ndokuzivisa "Nezvekurudziro yekuchengetedzva kwekodzero dzevanhu pasi
pose". Mashoko akakwana ari mumashizha anotevera muchinyorwa chino. Mushure meichi
chiitiko chinokosha, Gungano roMubatanidzwa weNyika dzepasi pose rakakumbira nyika dzose
dzinova nhengo kuti dzishambadzire zvinyorwa zve Kurudziro ino, kuitira kuti zvinyorwa
zvekurudziro iyi zvive zvino ziviswa, zvoshambadzirwa nokuverengwa zvichitsanangurwa,
kunyanya muzvikoro nedzimwe nzvimbo dzokudzidzira, zvisinei nemamiriro enyika kana matunhu
munezvematongerwo enyika.
Hechinoyi chinyorwa Chakabvumiranwa
HOFISI YESANGANO ROMBATANIDZVA WENYIKA DZEPASI POSE -YEKUTUMIRWA KWEMASHOKO KURUZHINJI.